Ce diaporama a bien été signalé.
Le téléchargement de votre SlideShare est en cours. ×

SHONA CALA COMPONENT A [Autosaved].pptx

Publicité
Publicité
Publicité
Publicité
Publicité
Publicité
Publicité
Publicité
Publicité
Publicité
Publicité
Publicité
Chargement dans…3
×

Consultez-les par la suite

1 sur 13 Publicité

Plus De Contenu Connexe

Publicité

SHONA CALA COMPONENT A [Autosaved].pptx

  1. 1. SHONA CALA COMPONENT ONE
  2. 2. CALA COMPONENT ONE • ZITA:NYARADZO CHIRUMBWANA • ZITA : ST DOMINIC’S CHISHAWASHA SECONDARY SCHOOL . • DUNHU : GOROMONZI . • DANHO : • MUSORO : KODZERO . • MUSORONYANA : KODZERO DZEVANA . • MUSORONYANASIRI : KUTYORWA KWEKODZERO DZEVANA MUNHARAUNDA MANDINOGARA
  3. 3. OBJECTIVES • Ita tsanangudzo yekodzero dzevana dziri kutyorwa mudunhu raunogara . [ 5 ] • Ndevapi vanhu vari kutyora kodzero dzevana vakasiyana – siyana mudunhu rako iri . [ 5 ] • Donongodza matambudziko akasiyana-siyana anosangana nevana vanotyorerwa kodzero dzavo . [ 10 ] • Nyatsotsanangura matanho angatorwe kuderedza kushungurudzwa kwevana munharaunda menyu . [ 10 ]
  4. 4. CHII CHINONZI KODERO • Kodzero kurarama hupenyu, pasina kutyisidzirwa kana kudzvanyirirwa. • Nemuchingezi kodzero inonzi right. Asi kuti ‘right’ ikurukuru yakakodzera pakuraramba murugare munyika. • Inini semwana kodzero dzangu ndedzekuenda kuchikoro kunodzidza, asi munharaunda yandinogara pane vana vasiri kuenda kuchikoro nekuda kwekushaikwa kwemari uye kune vamwe vana vane musikanzwa vanoita zvisina kururama vachizopedzisira nenhumbu. • kuziva chakanaka pamwe chete nechakaipa , kunodzidza tsika nemagariro edu isu vanhu vatema , kuziva mitambo , rukudzo pamwe nechinamato . • Mazuva ano tava kungonzwa kodzero dzemadzimai , kodzero dzevasungwa , kodzero dzemhuka asi dzevana dzavakungotyorwa .
  5. 5. KODZERO DZEVANA MUNHARAUNDA MANGU • Kodzero yekuenzana – Vana vanofanira kubatwa zvakaenzana . • Kodzero yekudya nekuva neimba – Chikafu chakakosha kuti vana vakure zvakanaka . • Kodzero yedzidzo – Ndeye kuvandudza kugona kwevana yekuti vagadzire ravo ramangwana . • Kodzero yeutano – Kurapwa nekuchengetedzwa nekudzivirira zvirwere . • Kodzero yekupa pfungwa dzavo pane zvirongwa . • Kodzero yehupenyu – Kugara mumamiriro akanaka pasina kurwisana . • Kodzero yekuva nemhuri – Kukura mumhuri inovapa rudo , kunzwisisa uye kutariswa • Kodzero yedziviriro – Kubva mune mukuregedzerwa , kushandiswa zvakapfurikidza nekumanikidzwa . • Kodzero yekutamba nekuvaraidzwa – Senzira yekudzidza kuti vafaranuke . • Kodzero yenyika – Kuva nechinyorwa chokuzvarwa chenyika . • Kodzero yekuva nezita / identity .
  6. 6. NDEDZIPI KODZERO DZEVANA DZRIRI KUTYORWA MUDUNHU RAUNOGARA ? • KODERO YEDZIDZO • Vana vazhinji mudunhu rangu havagone kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya mari kwevabereki kuti vavaendese kuchikoro. Uye zvee kune vamwe vabereki vakaoma hana vakavenga vana vanorambidza vana kuenda kuchikoro. Koita vaye vabereki vechinyakare vanorodza vana vasikana vachiri vana vasingadzokwanise kuenda kuchikoro varorwa. • 2. KODZERO YEUTANO • Vazhinji vana varikufa zuva rega rega nekuda kwekuregedzerwa kwavanoiitwa nevakuru vachitamba mutsvina munova muchizokonzera zvizwere zvakaita seCholera. Uye kune vamwe vabereki vasinga bvume kuti mwana aend kwachiremba kunorapiswa nekuda kwemutendero wavo (church). • 3 . KODZERO YEKUWANA ZVEKUDYA • Vana vanofanira kuwana zvekudya katatu pazuva. Vamwe vana havawana zvakakwana zvekudya nekuda kwekushaya mari yekutenga chikafu chimokwana. Kushaya chikafu uku kunokonzera chirwere che ‘Malnutrition’.
  7. 7. 4 .KODZERO YEPEKUGARA • Pane vamwe vana vanoswera mudhorobha vachitsvaga mari, vana ava vanenge vadzingwa pamba kuti vavashandire mari nekuti vabereki vanehunyope. Kozoti ivo vana vakaimbwa naOliver Mtukuzu muziya yake inonzi ‘Street kids’. Vana ava vakazvarwa nevabereki vasina kana chavanacho kana kuti vakatodzingwa kumba. • 5. KODZERO YEKUENZANA Kodzero iyi iri kunyanya kutyorerwa vanasikana panguva yekuti mwanasikana anonzi izvi hauite ndezvevakomana . Vanasikana vanenge vabudirira muzvidzidzo zvavo vari kushaya mabasa avanoda nekuti zvinonzi mabasa evakomana chete .
  8. 8. 5 . KODZERO YEKUENZANA • Kodzero iyi iri kunyanya kutyorerwa vanasikana panguva yekuti mwanasikana anonzi izvi hauite ndezvevakomana . Vanasikana vanenge vabudirira muzvidzidzo zvavo vari kushaya mabasa avanoda nekuti zvinonzi mabasa evakomana chete . 6 . KODZERO YEDZIVIRIRO Nekuda kwekushaya kodzero yekuenda kuchikoro vana vanopedzisira vonwa nekusvuta zvinodhaka zvinova izvo zviri kuzouraya vana .
  9. 9. NDEVAPI VANHU VARI KUTYORA KODZERO DZEVANA VAKASIYANA-SIYANA MUDUNHU RAKO IRI ? • 1 . MHURI DZEVANA Vari kutyora kodzero dzedzidzo mdunhu rangu nekuda kwekutsvaga mari vana vari kutengeswa nemhuri dzavo kuti vanoshandiswa kana kuti kunoroorwa vachiri vadiki zvichizokonzera kuti vana vabatwe zvisina kufanira . 2 . VASHANDI VEMUZVIPATARA Varikuparadzanisa vana nevabereki panozvarwa mwana kuti vatengese mwana vawane mari . 3 . VADZIDZISI VEMUZVIKORO Vari kutyora kodzero dzevana dzekutamba kwevana nekuvaraidzika kwevana pavanovapa basa rakawandisa rekuita kumba voshaya nguva yekufaranuka nekutamba .
  10. 10. 4 . VAKURU VEMUMAKEREKE • Chinamato chirikutyora kodzero dzevana kunyanya kodzero yeutano . Vana vari kufa zuva roga roga nekuti chinamato chinovarambidza kuenda kuzvipatara kunowana rubatsiro . Chinamato chirikuti vana vasaende kuzvikoro nekuti chikoro chirikutadza kudzidzisa vana . 5 . VEHUKAMA Vehukama kunyanya vakwegura vana ambuya varikuti ivo sezvo pavakakura kwangakusina chikoro vazukuru vavo havafanire kuenda kuchikoro vari kutyora kodzero yedzidzo yevana . 6 . VABATI VEZVIGARO ZVENYIKA Nekuda kwemamiriro akaita nyika yedu yeZIMBABWE vana havasikukwanisa kuenda kuchikoro nekuwana kodzero yeutano , kodzero yepekugara nekuti mari haisi kuwanikwa zvirinyore
  11. 11. DONOGODZA MATAMBUDZIKO AKASIYANA – SIYANA ANOSANGANA NEVANA VANOTYORERWA KODZERO DZAVO . • 1 . VANA VANOSIIRA CHIKORO PANZIRA Nekuda kwemari inoshaikwa nevabereki kuti vabhadhare chikoro 2 . VANA VANOTADZA KUBURIRA MUZVIDZIDZO ZVAVO Nekuda kwekutyorerwa dzimwe kodzero dzakaita sekodzero yeutano mwana akamborwara anomborega kuenda kuchikoro zvinova izvi zvinoita kuti asarire muzvidzidzo nevamwe zvichizoita kuti arege kuita vakanaka muchikoro . • VANA VANOBATIRA ZVIRWERE ZVEPABONDE .
  12. 12. • 3 . VANA VANOTANGA MISIKANZWA . Mushure meknge vana varega kuenda kuchikoro vanoshaya zvekuita vopedzisira voita hushamwari husina kunaka voita humbavha , humhondi kana hushamwari hwevasikana nevakomana husina kufanira . 4 . VANA VANOSANGANA NEMATAMBUDZIKO EKUBATWA CHIBHARO . Nekuda kwekuti vana havachaende kuchikoro vana vanosangana nematambudziko akadai nevehukama kana kuti vepedyo . • VANA VANOBATA PAMUVIRI .
  13. 13. • 5 . VANA VANOROODZWA NGUVA ISATI YASVIKA Izvi zvinonyanya kuitika kuvasikana panguva yekuti mhuri yavakutambura zvakanyanya mwanasikana anoroodzwa nemhuri yake kti vawane usavi nemari . 6 . VANA VANOTENGESWA Mhuri dzava kutengesa vana kuti vawane usavi nemari . Mushure mekunge vana vatengeswa vanokwanisa kusangana nematambudziko ekuzouraiwa kana kubatwa chibharo .

×